MaCouncillors ngavapihwe midhudhu, sezvo isu tichipihwa mota: Hon. Nyabani

daniel
2 Min Read
MaCouncillors ngavapihwe midhudhu, sezvo isu tichipihwa mota: Hon. Nyabani

MaCouncillors ngavapihwe midhudhu, sezvo isu tichipihwa mota: Hon. Nyabani

Mumiriri weRushinga mudare reNational Assembly vaTendai Nyabani vati maCouncillors anofanirwa kupihwa midhudhu kuti ivabatsire pabasa.

MaCouncillors kunyangwe zvazvo vachishanda kuunza budiriro mumatunhu, muhoro wavo wepamwedzi uri pasi pasi zvekuti hausvike zana remadhora ekuAmerica.

Vamiriri vemudare reNational Assembly vanoti izvi zvinofanira kugadziriswa chimbi chimbi.

Vachiisawo pfungwa dzavo panyaya iyi yakaunzwa mudariro navaFarai Jere (Murehwa West), vaNyabi vakati maCouncillors ngavapihwe midhudhu vachingopinda basa.

Vanoti izvi zvakakosha kunyanya kuma Councillors ekumamisha nekuti nharaunda dzavanomirira dzakakura.

Chimwe chinhu, kwandinobva kuRushinga, matunhu anomirirwa nemaCouncillors akakurisa, zvekutoenza nemaConstituency emuHarare, asi havana kana mabhasikoro.

‘’Saka ichi chikumbiro, kuti councillor paanongosarudza anofanira kubva apihwa mudhudhu wake, sezvinoitwa maMPs pavanopihwa motokari. 

‘’Dzimwenguva tinozoona maCouncillors aya akupihwa mudhudhu nekuti makanzuru anenge atadza kuvabhadhara mari dzavo. Asi zvinhu izvi hazvifanire kubatanidzwa nekuti zvakasiyana, zvemudhudhu zvinofanira kune zvakamira pazvo zvega. 

‘’Chimwe chinhu inyaya yepekugara pemaCouncillors, vanhu ava varikugara pasingaite, zvekuti unototyira kuti vachakuvara vachizama kupinda mudzimba dzavanogara, asi vari ivo vane basa rekuunza budiriro munharaunda, nekugova zvinhu zvinobva kumaDonors. Misha yavo yakadhakwa nekuti US$80 yavanopihwa haikwanise kuvakisa imba.

;;Hurumende inofanira kupatarisa, nekuti basa raCouncillor rakakosha pakuunza budiriro munharaunda. Ma Councillor vanofanira kuve muhoro unoita kuti vakwanise kuvaka dzimba vasazosiya nhaka yenhamo.

‘’Vanotofanirwa kupihwa pekuvaka dzimba pamusoro pemuhoro wavo, kwete kuzopihwa kana kanzuru yatadza kuvabhadhara muhoro wavo. 

‘’Ngavapihwe pekuvakira dzimba sezvatinongoitwa isu maMPs vachingopinda,’’ vakadaro vaNyabani.-

MaCouncillors ngavapihwe midhudhu, sezvo isu tichipihwa mota: Hon. Nyabani

Share This Article
By daniel
Daniel Chigundu is the Project Officer for OpenParlyZW, which runs the Open Council platform. He is a journalist since 2009 and is also the secretary general of the Zimbabwe Parliamentary Journalists Forum.
Leave a comment
?>