Hazvibhadhare, ndiri kutambira nzungu muchindiona kudai: Coltart

daniel
2 Min Read
Hazvibhadhare, ndiri kutambira nzungu muchindiona kudai: Coltart

Hazvibhadhare, ndiri kutambira nzungu muchindiona kudai: Coltart

Mayor weguta reBulawayo vaDavid Coltart vati ivo vanhu vasafunge kuti varikurambira pabasa nekuda kwemari, vachiti vari kutambira nzungu pakuve Mayor.

VaColtart vati vanotambira US$25 pamwedzi iyo inouya iri mumari yemuno mukuva kwavo Mayor weguta guru rechipiri munyika.

Vachinyora pandemutande vaColtart vati, ‘’vazhinji venyu chamusingazive ndechekuti mari yandinopihwa pakuva Mayor weBulawayo iUS$25. Zvingaite kunge dambe, asi ichokwadi kana kune vanofunga kuti kunyepa makasununguka kubvunza kukanzuru yeBulawayo. Saka kana muchifunga kuti ndiri kugarira mari hapana chamurikuziva.

‘’…kuda kune vamwe vanogona kufunga handizvo kuti ndinopihwa US$25 pamwedzi kuti ndive Mayor, tarisai gwaro remuhoro wangu waNdira (payslip for January).

Hazvibhadhare, ndiri kutambira nzungu muchindiona kudai: Coltart
Hazvibhadhare, ndiri kutambira nzungu muchindiona kudai: Coltart

‘’Ndatokanganwa kutaura kuti ndinoipihwa (US$25) iri mari yemuno maRTGs (Z$138,575.40) pachishandiswa simba yemari yemuno iri pamutembo zvichienzaniswa neyekuAmerica.’’

VaColtart avo vakambovawo gurukota rezvedzidzo yepasi (primary and secondary) vari panguva yakaoma kuda kuedza kuonesa vanhu kuti sarudzo yavo yekuramba varipabasa ndiyo yakanaka.

Vamwe vanhu padandemutande vari kunyunyuta kuti vaColtart vanenge vatengesa chimurenga kana vakaramba vari pabasa.

Vanotsigira bato reCitizens Coalition for Change (CCC) raimbotungamirwa navaNelson Chamisa vari kukurudzira nhengo dzavo kuti dzisiye basa sekuratidza kuti vanomira navaChamisa.

VaChamisa vakasiya bato ravaitungamira mavhiki maviri apfura vachiti rapindwa nevasori, uye nekuti kune dzimwe nhengo dziri kutengea chimurenga kuZanu PF.

Kubva kwavaChamisa kubato reCitizesn Coalition for Change kwasiya bato riri zinyekenyeka pachishaikwa kuti ndiyani chaiye arikutungamira uye kuti nderipi racho.

Kunedivi reCCC rinotungamirwa nava Sengezo Tshabangu avo vapedza kudzinga vamiriri mudare reparamende nemumakanzuru. Kunewo boka riri kuzviti ndiro rakasarudzwa kuCongress muna2019 saka ndivo nhungamiri.

VaJameson Timba vakagadzwa kuti vafane kubata matomhu kuchimirirwa vaChamisa.

Parizvino, muzvare Fadzai Mahere (Mount Pleasant), vaNorman Markham (Harare East) nava Daniel Molokele (Hwange Central) vakazivisa kubuda kwavo mubato reCCC uye kusiya kwavo basa reparamende.

Vatatu ava vanoti vanotsigirana nemaonero ava Chamisa kuti bato rapindwa nevavengi.

Hazvibhadhare, ndiri kutambira nzungu muchindiona kudai: Coltart

Share This Article
By daniel
Daniel Chigundu is the Project Officer for OpenParlyZW, which runs the Open Council platform. He is a journalist since 2009 and is also the secretary general of the Zimbabwe Parliamentary Journalists Forum.
Leave a comment
?>